5 pamwe chete nechipiriso chezviyo, chegumi cheefaa youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechikamu chimwe chete muzvina chehinib yamafuta omuorivhi akasvinwa.
6 Ichi ndicho chipiriso chinopiswa chamazuva ose chakatarwa paGomo reSinai kuti chive munhuwi unonhuwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
7 Panobayirwa gwayana rimwe nerimwe, chipiriso chokunwa chinopiwa panguva imwe cheteyo chinofanira kuva chikamu chimwe chete muzvina chehini, chezvinonhuwira zvakaviriswa. Udurure chipiriso chinonwiwa kuna Jehovha panzvimbo tsvene.
8 Ugadzire gwayana rechipiri panguva dzamadekwana, pamwe chete nechipiriso chezviyo nechipiriso chinonwiwa, zvakafanana nezvamangwanani. Ichi ndicho chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha.
9 “ ‘Nomusi weSabata, muite chipiriso chamakwayana maviri egore rimwe chete asina kuremara, pamwe chete nechipiriso chacho chokunwa, uye nechipiriso chezviyo chezvegumi zviviri zveefac youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta.
10 Ichi ndicho chipiriso chinopiswa cheSabata rimwe nerimwe, pamusoro pechipiriso chinopiswa chamazuva ose uye nechipiriso chacho chinonwiwa.
11 “ ‘Nomusi wokutanga womwedzi woga woga, mupe kuna Jehovha chipiriso chehando duku mbiri, gondohwe rimwe chete namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, ose asina kuremara.