15 uye pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana gumi namana, chikamu chimwe chete mugumi.
16 Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, pamusoro pechipiriso chinopiswa nechipiriso chacho chezviyo nechipiriso chokunwa.
17 “ ‘Pazuva rechipiri mugadzire hando duku gumi nembiri, makondohwe maviri uye makwayana makono gumi namana egore rimwe, zvose zvisina kuremara.
18 Mugadzire nehando, namakondohwe uye namakwayana, zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvinonwiwa maererano nouwandu hwakarayirwa.
19 Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho uye nezvipiriso zvazvo zvokunwa.
20 “ ‘Pazuva rechitatu, mugadzire hando gumi neimwe, makondohwe maviri uye namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara.
21 Mugadzire pamwe chete nehando, makondohwe, uye namakwayana, zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.