5 Muisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi kuti muzviyananisire.
6 Izvi zviri kupamhidzirwa pamusoro pezvipiriso zvinopiswa zvomwedzi nomwedzi, nezvezuva nezuva uye nezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa sokurongwa kwazvo. Ndizvo zvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto, zvinonhuwira zvinofadza.
7 “ ‘Pazuva regumi romwedzi wechinomwe munofanira kuita ungano tsvene. Munofanira kuzviramba uye murege kubata basa.
8 Mupe chibayiro chinopiswa chehando duku yegore rimwe chete kuna Jehovha sezvinonhuwira zvinofadza: hando imwe chete negondohwe rimwe chete uye namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, zvisina kuremara.
9 Mugadzire pamwe chete nehando, chipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondohwe, zvikamu zviviri mugumi;
10 uye parimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi.
11 Muisewo nhongo yembudzi sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chechivi chokuyananisira uye nechibayiro chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo, uye nezvipiriso zvazvo zvokunwa.