34 mbongoro zviuru makumi matanhatu nechiuru chimwe chete
35 uye vakadzi zviuru makumi matatu nezviviri vakanga vasina kumbovata navarume.
36 Hafu yomugove wavaya vakarwa muhondo yaiva:makwai zviuru mazana matatu namakumi matatu nezvinomwe, namazana mashanu,
37 mutero waJehovha paari wakanga uri makwai mazana matanhatu namakwai manomwe namashanu;
38 mombe, dzaisvika zviuru makumi matatu nezvitanhatu, mutero waJehovha padziri waiva mombe makumi manomwe nembiri;
39 mbongoro, dzaiva zviuru makumi matatu namazana mashanu, mutero waJehovha padziri wakanga uri mbongoro makumi matanhatu neimwe chete;
40 vanhu vaisvika zviuru gumi nezvitanhatu, mutero waJehovha pavari waiva vanhu makumi matatu navaviri.