19 “ ‘Shure kwokunge muNaziri aveura bvudzi rokuzvikumikidza kwake, muprista anofanira kuisa mumaoko ake bandauko rakabikwa regondohwe, uye keke nechingwa chitete kubva mudengu, zvose zvakabikwa zvisina mbiriso.
20 Ipapo muprista achazvininira pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira; izvi zvitsvene uye ndezvomuprista, pamwe chete nechipfuva chakaninirwa uye chidya chakakumikidzwa. Shure kwaizvozvo, muNaziri anganwa hake waini.
21 “ ‘Uyu ndiwo murayiro womuNaziri anenge apikira chipiriso kuna Jehovha maererano nokuzvitsaura kwake pamusoro pezvimwe zvose zvaanenge achigona kupa. Anofanira kuzadzisa mhiko yaakaita, zviri maererano nomurayiro womuNaziri.’ ”
22 Jehovha akati kuna Mozisi,
23 “Udza Aroni navanakomana vake uti, ‘Munofanira kuropafadza vaIsraeri nomutowo uyu. Muti kwavari:
24 “ ‘Jehovha akuropafadzei uye akuchengetei;
25 Jehovha ngaapenyese chiso chake pamusoro penyu uye akunzwirei tsitsi;