20 Ipapo muprista achazvininira pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira; izvi zvitsvene uye ndezvomuprista, pamwe chete nechipfuva chakaninirwa uye chidya chakakumikidzwa. Shure kwaizvozvo, muNaziri anganwa hake waini.
21 “ ‘Uyu ndiwo murayiro womuNaziri anenge apikira chipiriso kuna Jehovha maererano nokuzvitsaura kwake pamusoro pezvimwe zvose zvaanenge achigona kupa. Anofanira kuzadzisa mhiko yaakaita, zviri maererano nomurayiro womuNaziri.’ ”
22 Jehovha akati kuna Mozisi,
23 “Udza Aroni navanakomana vake uti, ‘Munofanira kuropafadza vaIsraeri nomutowo uyu. Muti kwavari:
24 “ ‘Jehovha akuropafadzei uye akuchengetei;
25 Jehovha ngaapenyese chiso chake pamusoro penyu uye akunzwirei tsitsi;
26 Jehovha ngaarinzire chiso chake kwamuri uye akupei rugare.’