66 Pazuva regumi, Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai, mutungamiriri wavanhu vokwaDhani, akauya nechipiriso.
67 Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;
68 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi rizere nezvinonhuwirira;
69 hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete nomukono mumwe chete wegwayana wegore rimwe chete, sechipiriso chinopiswa;
70 nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;
71 uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi namakwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaAhiezeri mwanakomana waAmishadhai.
72 Pazuva regumi nerimwe, Pagieri mwanakomana waOkirani, mutungamiri wavanhu vokwaAsheri, akauya nechipiriso chake.