4 Mushure menguva yakati kuti, akadanana nomukadzi aigara muMupata weSoreki; zita rake rainzi Dherira.
5 Vatongi vavaFiristia vakaenda kwaari vakati, “Uone kana ungagona kumunyengetedza kuti akuratidze chakavanzika chesimba rake guru, uye kuti tingamukunda sei kuitira kuti tigomusunga timupfavise. Mumwe nomumwe wedu achakupa mashekeri esirivha mazana gumi nezana rimwe chetea.”
6 Saka Dherira akati kuna Samusoni, “Ndiudzewoka chakavanzika chesimba rako guru uye kuti ungasungwa sei kuti ukundwe.”
7 Samusoni akamupindura akati, “Kana munhu upi zvake akandisunga netambo itsva nomwe dzisina kuomeswa, ndichava munhu asina simba, somumwewo munhu zvake.”
8 Ipapo vatongi vavaFiristia vakamuvigira tambo nomwe itsva dzisina kuomeswa, akamusunga nadzo.
9 Varume vakavanda mukamuri, akadanidzira kwaari akati, “Samusoni, vaFiristia vasvika.” Asi akadambura tambo zviri nyore sokudambuka kunoita shinda kana yaiswa pedyo nomurazvo womoto. Saka chakavanzika chesimba rake hachina kuzivikanwa.
10 Ipapo Dherira akati kuna Samusoni, “Wandiita benzi; wareva nhema kwandiri. Zvino chindiudza kuti ungasungwa sei?”