9 Uye vakamuviga munyika yenhaka yake, paTiminati Heresi munyika yezvikomo yeEfuremu, kumusoro kweGomo reGaashi.
10 Mushure mokunge rudzi rwose rwasanganiswa namadzibaba arwo, rumwe rudzi rwakanga rusingazivi Jehovha kana zvaakanga aitira Israeri rwakamuka.
11 Ipapo vaIsraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha uye vakashumira vanaBhaari.
12 Vakarasa Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, akanga avabudisa kubva muIjipiti. Vakatevera uye vakanamata vamwari vakasiyana-siyana vamarudzi akanga akavapoteredza. Vakatsamwisa Jehovha.
13 Nokuti vakamurasa uye vakashumira Bhaari navaAshitoreti.
14 Mukutsamwira kwake vaIsraeri, Jehovha akavaisa mumaoko avapambi avo vakazovapamba. Akavatengesa kuvavengi vavo vakanga vakavapoteredza, avo vavakanga vasisagoni kudzivisa.
15 Pose paienda Israeri kundorwa, ruoko rwaJehovha rwairwa navo kuti ruvakunde, sezvaakanga apika pamusoro pavo. Vakanga vari munhamo huru.