1 Ipapo ndakasimudza meso angu, zvino hapo pamberi pangu paiva nomurume aiva nerwodzi rwokuyeresa muruoko rwake!
2 Ndakabvunza ndikati, “Uri kuendepiko?” Akandipindura achiti, “Kunoyera Jerusarema, kuti ndione kufara kwaro nokureba kwaro.”
3 Ipapo mutumwa aitaura neni akaenda, uye mumwe mutumwa akauya kuzosangana naye
4 uye akati kwaari: “Mhanya, undoudza jaya iro kuti, ‘Jerusarema richava guta risina masvingo nokuda kwokuwanda kwavanhu nezvipfuwo zviri mariri.
5 Uye ini pachangu ndichava rusvingo rwomoto rwakarikomberedza,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uye ndichava kubwinya kwaro mukati maro.’
6 “Uyai! Uyai! Tizai kubva kunyika yokumusoro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “nokuti ndakakuparadzirai kumhepo ina dzedenga,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
7 “Uya, iwe Zioni! Tiza, iwe unogara muMwanasikana weBhabhironi!”