20 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Vanhu vazhinji navagari vomumaguta mazhinji vachauyazve,
21 uye vagari vomune rimwe guta vachaenda kune rimwe vachinoti, ‘Ngatiendei nokuchimbidza kundokumbira nyasha kuna Jehovha, nokutsvaka Jehovha Wamasimba Ose. Ini pachangu ndiri kuenda.’
22 Uye vanhu vazhinji nendudzi dzine simba vachauya kuJerusarema kuzotsvaka Jehovha Wamasimba Ose nokukumbira nyasha kwaari.”
23 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Mumazuva iwayo varume gumi kubva kundimi dzose nendudzi dzose vachabatirira kwazvo pamupendero wenguo yomuJudha vachiti, ‘Ngatiendei tose, nokuti takanzwa kuti Mwari anewe.’ ”