3 Tinofanira kuramba tichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, hama, uye zvakanaka izvozvo, nokuti kutenda kwenyu kuri kukura zvakanyanya, uye rudo rwamunarwo kuno mumwe nomumwe wenyu rwuri kukura.
4 Naizvozvo, pakati pekereke dzaMwari tinozvirumbidza pamusoro pokutsungirira kwenyu uye nokutenda kwenyu nomukutambudzika kwose nokuedzwa kwamunotsunga makuri.
5 Zvose izvi ndizvo zvinoratidza kuti kutonga kwaMwari kwakarurama, uye nokuda kwaizvozvi muchanzi makafanirwa noumambo hwaMwari, ihwo hwamunotamburira.
6 Mwari akarurama: Achatsiva nokutambudzika kuna avo vanokutambudzai,
7 uye agozorodza imi vari kutambudzika, uye nesuwo. Izvi zvichaitika Ishe Jesu paacharatidzwa kubva kudenga mumurazvo womo-to unopfuta ane vatumwa vake vane simba.
8 Acharanga vaya vasingazivi Mwari uye vasingateereri vhangeri raIshe wedu Jesu.
9 Vacharangwa nokuparadzwa kusingaperi, uye vachapfigirwa kunze pamberi paIshe, uye napaukuru hwesimba rake,