8 Vavakidzani vake navaya vakanga vambomuona achipemha vakati, “Ko, uyu haasi iye murume uya aisimbogara achipemha here?”
9 Vamwe vakati, “Ndiye.”Vamwe vakati, “Kwete, anenge akangofanana naye chete.”Asi iye pachake akaramba achiti, “Ndini iye.”
10 Vakamubvunza vakati, “Meso ako akasvinudzwa sei?”
11 Akapindura akati, “Murume anonzi Jesu akakanya dope akariisa pameso angu. Akandiudza kuti ndiende kuSiroami ndinoshamba. Saka ndakaenda ndikandoshamba, uye ipapo ndakagona kuona.”
12 Vakamubvunza vakati, “Aripiko murume wacho?”Iye akati, “Handizivi.”
13 Vakauyisa murume uya aimbova bofu kuvaFarisi.
14 Zvino zuva iro rakakanyiwa dope rikaiswa pameso omunhu naJesu, raiva zuva reSabata.