1 Vamwe varume vakauya vachibva kuJudhea vakaenda kuAndioki, uye vakanga vachidzidzisa hama vachiti: “Kunze kwokunge madzingiswa, maererano netsika yakadzidziswa naMozisi, hamungaponeswi.”
2 Izvi zvakasvitsa Pauro naBhanabhasi pakupesana kukuru uye nokukakavadzana navo. Saka Pauro naBhanabhasi vakasarudzwa kuti vaende kuJerusarema pamwe chete navamwe vatendi, kuti vandoona vapostori navakuru pamusoro peshoko iri.
3 Kereke yakavatuma parwendo rwavo, uye pavakafamba vachipinda nomuFonisia nomuSamaria, vakarondedzera kuti vaHedheni vainge vachitendeuka sei. Shoko iri rakafadza hama dzose zvikuru.
4 Vakati vasvika kuJerusarema, vakagamuchirwa nekereke navapostori uye navakuru, vakarondedzera kwavari zvinhu zvose zvakanga zvaitwa naMwari kubudikidza navo.
5 Ipapo vamwe vatendi vakanga vari vebato ravaFarisi vakasimuka vakati, “VaHedheni ava vanofanira kudzingiswa uye vanosungirwa kuti vateerere murayiro waMozisi.”
6 Vapostori navakuru vakasangana kuti vaongorore nyaya iyi.