12 kuitira kuti,“ ‘zvimwe vangaramba vachiona,asi varege kuonesesa;uye vachinzwa,asi varege kunzwisisa;kana kuti vangatendeukauye vakaregererwa!’ ”
13 Ipapo Jesu akati kwavari, “Hamunzwisisi mufananidzo uyu here? Munganzwisisa seiko mufananidzo upi zvawo?
14 Murimi anokusha shoko.
15 Vamwe vanhu vakaita setsanga yakawira munzira, munokushwa shoko. Pavanongorinzwa, Satani anouya otora shoko rakushwa mukati mavo.
16 Vamwe vakaita setsanga yakawira parukangarabwe, vanonzwa shoko uye nokukurumidza vorigamuchira nomufaro.
17 Asi sezvo vasina midzi, vanongotsungirira kwenguva pfupi. Panongosvika nhamo kana kutambudzwa nokuda kweshoko, vanokurumidza kuwa.
18 Uye vamwe, setsanga yakawira pakati peminzwa, vanonzwa shoko;