34 Asi vakanyarara nokuti vakanga vakakavadzana vari munzira pamusoro pokuti mukuru ndiani.
35 Agara pasi, Jesu akadana vane gumi navaviri akati, “Kana munhu achida kuva wokutanga, anofanira kuva iye wokupedzisira, uye muranda wavose.”
36 Akatora mwana muduku akamumisa pakati pavo. Akamubata mumaoko ake, akati kwavari,
37 “Ani naani anogamuchira mumwe wavaduku ava muzita rangu anogamuchira ini; uye ani naani anondigamuchira haagamuchiri ini asi iye akandituma.”
38 Johani akati, “Mudzidzisi, taona munhu achidzinga madhimoni muzita renyu uye tikamudzivisa, nokuti anga asiri mumwe wedu.”
39 Jesu akati, “Musamudzivisa. Hakuna munhu anoita chishamiso muzita rangu angazotaura zvakaipa pamusoro pangu panguva dzinotevera,
40 nokuti ani naani asingarwisani nesu ndowedu.