3 Mwanakomana ndiye chadzera chokubwinya kwaMwari uye ndiye mufananidzo wake chaiwo, anochengeta zvinhu zvose neshoko rake rine simba. Mushure mokunge apedza kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwamambo kudenga.
4 Saka akava mukuru kupfuura vatumwa sezvo zita raakapiwa nhaka yaro rakanyanya kunaka kupfuura ravo.
5 Nokuti ndoupi pakati pavatumwa,Mwari waakamboti kwaari:“Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako?”kana kutizve,“Ndichava Baba vake,naiye achava Mwanakomana wangu?”
6 Uyezve, Mwari paanouyisa dangwe rake munyika, anoti:“Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate.”
7 Achitaura pamusoro pavatumwa anoti:“Anoita vatumwa vake mhepo,varanda vake mirazvo yomoto.”
8 Asi pamusoro poMwanakomana anoti:“Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri,uye kururama kuchava tsvimbo youshe hwenyu.
9 Makada kururama uye mukavenga kusarurama;naizvozvo Mwari, Mwari wenyu,akakuisai pamusoro peshamwari dzenyu nokukuzodzai namafuta okufara.”