1 Murayiro unongova mumvuri chete wezvinhu zvakanaka zvinouya, kwete izvo chaizvo. Nokuda kwaizvozvo haungatongogoni kuita kuti avo vanoswedera, kuti vanamate gore rimwe nerimwe, naizvo zvibayiro zvimwe chetezvo zvavanoramba vachibayira kuna Mwari, vakwaniswe.
2 Dai zvaigona kudaro, zvingadai zvisina kupera kubayirwa here?
3 Nokuti vanonamata vangadai vakanatswa kamwe chete zvikapera, uye vangadai vasina kuzonzwazve mhosva yezvivi zvavo gore roga roga,
4 nokuti hazvigoni kuti ropa renzombe nerembudzi ribvise zvivi.
5 Naizvozvo Kristu, paakauya munyika muno, akati:“Chibayiro nechipo hamuna kuzvifarira,asi muviri wamakandigadzirira;