5 Hapazi pasi pavatumwa pakaiswa nyika inouya, yatiri kutaura nezvayo.
6 Asi mumwe akapupura kwazvo pane imwe nzvimbo achiti:“Ko, munhu chii zvamunomufunga,kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye?
7 Makamuita muduku zvishoma kuvatumwa;makamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa
8 uye mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake.”Pakuisa zvinhu zvose pasi pake, Mwari haana kusiya chinhu chimwe chete chisina kuiswa pasi pake. Asi panguva ino hationi zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake.
9 Asi tinoona Jesu, akaitwa muduku zvishoma kuvatumwa, zvino ashongedzwa korona yokubwinya nokukudzwa nokuti akatambudzika murufu, kuitira kuti nenyasha dzaMwari anzwe rufu nokuda kwavose.
10 Mukuuyisa vanakomana vazhinji pakubwinya, zvakanga zvakafanira kuti Mwari iye akaitirwa zvinhu zvose uye akaita kuti zvinhu zvose zvivepo, aite muvambi woruponeso rwazvo rwakakwana nenzira yokutambudzika.
11 Vose, iye anoita kuti vanhu vave vatsvene uye avo vanoitwa vatsvene ndevemhuri imwe chete. Saka Jesu haana nyadzi kuti avaidze hama.