6 Mukadzi akatizira kugwenga kunzvimbo yaakanga agadzirirwa naMwari, kwaaizochengetwa kwamazuva chiuru namazana maviri namakumi matanhatu.
7 Uye kudenga kwakava nehondo. Mikaeri navatumwa vake vakarwa neshato, uye shato navatumwa vayo ikadzorerawo.
8 Asi yakanga isina simba rakakwana, uye nzvimbo yavo yakashayikwa kudenga.
9 Shato huru yakakandwa pasi, iyo nyoka yekare inonzi dhiabhori, kana kuti Satani, anotsausa nyika yose. Akakandwa panyika pamwe chete navatumwa vake.
10 Ipapo ndakanzwa inzwi guru kudenga richiti:“Zvino ruponeso nesimba noumambo hwaMwari wedu zvasvika,uye nesimba raKristu wake.Nokuti mupomeri wehama dzedu,Iye akavapomera pamberi paMwari wedu masikati nousiku,akandwa panyika.
11 Vakamukunda neropa reGwayanauye neshoko rokupupura kwavo;havana kuda upenyu hwavo zvakanyanya zvokuti vangatya kufa.
12 Naizvozvo farai,imi matenga nemi munogara maari!Asi mune nhamo imi nyika negungwa,nokuti dhiabhori aburuka kwamuri!Akatsamwa kwazvo,nokuti anoziva kuti nguva yake ipfupi.”