7 Chakapiwa simba kuti chirwe navatsvene uye kuti chivakunde. Uye chakapiwa simba pamusoro pamarudzi ose, navanhu vose, nendimi dzose uye nendudzi dzose.
8 Vose vanogara panyika vachanamata chikara, vose vana mazita asina kunyorwa mubhuku roupenyu reGwayana rakabayiwa kubva pakusikwa kwenyika.
9 Ane nzeve, ngaanzwe.
10 Kana munhu achifanira kupinda muutapwa,muutapwa achapinda hake.Kana munhu achifanira kuurayiwa nomunondo,nomunondo achaurayiwa hake.Apa ndipo panodikanwa kutsungirira nokutendeka kwavatsvene.
11 Ipapo ndakaona chimwe chikara, chichibva munyika. Chakanga chine nyanga mbiri segwayana, asi chaitaura seshato.
12 Chakashandisa simba rose rechikara chokutanga pachinzvimbo chacho, uye chakaita kuti nyika navageremo vanamate chikara chokutanga, chiya chakanga chapora vanga racho raifanira kuchiuraya.
13 Uye chakaita zviratidzo nezvishamiso zvikuru, kunyange kuita kuti moto uburuke kubva kudenga uchiuya panyika vanhu vachinyatsoona.