10 Vachitya kurwadziwa kwaro, vachamira kure uye vagochema vachiti:“ ‘Nhamo! Nhamo, Iwe guta guru,Iwe Bhabhironi, guta resimba!Kuparara kwako kwasvika munguva imwe chete!’
11 “Vashambadziri venyika vachachema nokuungudza pamusoro paro nokuti hakuna munhu anotenga nhumbi dzavozve,
12 nhumbi dzegoridhe, sirivha, mabwe anokosha namaparera; micheka yakanaka, yepepuru, sirika nemicheka mitsvuku; mhando dzose dzemiti inonhuwira nezvinhu zvemhando dzose zvakagadzirwa nenyanga dzenzou, namatanda ano mutengo unokosha, ndarira, simbi namabwe akaurungana;
13 nhumbi dzesinamoni nezvinonhuwira, mura nezvizoro zvinonhuwira, waini namafuta omuorivhi, upfu hwakatsetseka negorosi; mombe namakwai; mabhiza nengoro; nemiviri nemweya yavanhu.
14 “Vachati, ‘Muchero wawaipanga wabviswa kwauri. Upfumi hwako hwose nezvinobwinya zvako zvose zvapera, hazvichazowanikwizve.’
15 Vashambadziri vakatengesa zvinhu izvi uye vakawana pfuma yavo kwariri vachamira kure, vachityiswa nokurwadziwa kwaro. Vachachema nokuungudza
16 uye vachadanidzira vachiti:“ ‘Nhamo! Nhamo, iwe guta guru,wakapfeka mucheka wakanaka, nowepepuru, nomutsvuku,uye unotaima negoridhe, namatombo anokosha namaparera!