13 nhumbi dzesinamoni nezvinonhuwira, mura nezvizoro zvinonhuwira, waini namafuta omuorivhi, upfu hwakatsetseka negorosi; mombe namakwai; mabhiza nengoro; nemiviri nemweya yavanhu.
14 “Vachati, ‘Muchero wawaipanga wabviswa kwauri. Upfumi hwako hwose nezvinobwinya zvako zvose zvapera, hazvichazowanikwizve.’
15 Vashambadziri vakatengesa zvinhu izvi uye vakawana pfuma yavo kwariri vachamira kure, vachityiswa nokurwadziwa kwaro. Vachachema nokuungudza
16 uye vachadanidzira vachiti:“ ‘Nhamo! Nhamo, iwe guta guru,wakapfeka mucheka wakanaka, nowepepuru, nomutsvuku,uye unotaima negoridhe, namatombo anokosha namaparera!
17 Muawa imwe chete upfumi hwakakura kudai hwaparara!’“Vafambisi vose vezvikepe mugungwa, navose vanofamba nezvikepe, vashandi vomuzvikepe navose vanorarama nezvinobva mugungwa, vachamira kure.
18 Pavachaona utsi hwokutsva kwaro, vachati, ‘Pakambova neguta rakaita seguta guru iri here?’
19 Vachakanda guruva pamisoro yavo, uye nokuchema nokuungudza vachadanidzira vachiti:“ ‘Nhamo! Nhamo, iro guta guru,vose vaiva nezvikepe pagungwa vakapfuma noupfumi hwaro!Muawa imwe chete, raparara!