3 Uyezve vakati:“Hareruya!Utsi hunobuda maari hunokwira nokusingaperi-peri.”
4 Vakuru makumi maviri navana nezvisikwa zvipenyu zvina vakawira pasi uye vakanamata Mwari, akanga agere pachigaro choushe. Uye vakadanidzira vachiti:“Ameni, Hareruya!”
5 Ipapo inzwi rakabva pachigaro choushe, richiti:“Rumbidzai Mwari wedu,imi varanda vake mose,imi munomutya,mose vaduku navakuru!”
6 Ipapo ndakanzwa zvakanga zvichiita savazhinji zhinji, somumvumo wemvura zhinji uye senzwi guru rokuunga kwomutinhiro, richiti:“Hareruya!Nokuti Ishe Mwari wedu Wamasimba Ose anotonga.
7 Ngatifarei uye tifarisiseuye timurumbidze!Nokuti mutambo wokuwana weGwayana wasvika,uye mwenga waro azvigadzirira.
8 Akapiwa mucheka wakachena,wakanaka uye unopenya kuti aupfeke.”Mucheka wakanaka ndiwo mabasa akarurama avatsvene.
9 Ipapo mutumwa akati kwandiri, “Nyora uti: ‘Vakaropafadzwa avo vakakokwa kuchirariro chokuwana cheGwayana!’ ” Uye akatizve, “Aya mashoko echokwadi aMwari.”