6 Ipapo ndakaona pakati pechigaro choushe nezvisikwa zvipenyu zvina napakati pavakuru, Gwayana rakanga rimire uye rakaita serabayiwa, rine nyanga nomwe nameso manomwe, inova ndiyo mweya minomwe yaMwari yakatumwa munyika yose.
7 Rakauya rikatora bhuku rakapetwa muruoko rworudyi rwaiye akanga agere pachigaro choushe.
8 Uye rakati raritora, zvisikwa zvipenyu zvina navakuru makumi mana navana vakawira pasi pamberi peGwayana. Mumwe nomumwe akanga ano rudimbwa uye vakanga vakabata ndiro dzegoridhe dzakanga dzizere nezvinonhuwira, inova ndiyo minyengetero yavatsvene.
9 Uye vakaimba rwiyo rutsva runoti:“Ndimi makafanira kutora bhuku rakapetwa nokuzarura zvisimbiso zvaro,nokuti ndimi makaurayiwa,uye neropa renyu makatengera Mwarivanhu kubva kumarudzi ose uye nendimi dzose,navanhu nendudzi.
10 Makavaita ushe navaprista kuti vashumire Mwari wedu,uye vachatonga panyika.”
11 Ipapo ndakatarira uye ndikanzwa inzwi ravatumwa vazhinji, zviuru nezviuru negumi rezviuru zvamazana. Vakakomberedza chigaro choushe nezvisikwa zvipenyu uye navakuru.
12 Vakaimba nenzwi guru vachiti:“Gwayana ndiro rakafanira, iro rakanga raurayiwa,kuti rigamuchire simba nepfuma nouchenjeri nesimba nokukudzwa nokubwinyauye nokurumbidzwa!”