13 Ipapo mumwe wavakuru akandibvunza akati, “Ava vakapfeka nguo chena, ndivanaaniko, uye vakabvepi?”
14 Ndakapindura ndikati, “Ishe, imi munoziva.”Uye iye akati, “Ava ndivo vaya vakabuda mukutambudzika kukuru; vakasuka nguo dzavo uye vakadzichenesa muropa reGwayana.
15 Naizvozvo,“vari pamberi pechigaro chaMwariuye vanomushumira masikati nousiku mutemberi yake;uye iye anogara pachigaro choushe achatambanudza tende rake pamusoro pavo.
16 Havachazoziyi nenzara zvakare;havachazopiswi nezuva,kana nokupisa kupi zvako.
17 Nokuti Gwayana riri pakati pechigaro choushe richava mufudzi wavo;richavatungamirira kumatsime emvura mhenyu.Uye Mwari achapukuta misodzi yose pameso avo.”