7 Hiramu akati anzwa shoko raSoromoni, akafara zvikuru, uye akati, “Jehovha ngaarumbidzwe nhasi, nokuti apa Dhavhidhi mwanakomana ane uchenjeri kuti atonge rudzi rukuru urwu.”
8 Saka Hiramu akatuma shoko kuna Soromoni achiti:“Ndagamuchira shoko ramanditumira navamakatuma uye ndichaita zvose zvamunoda ndigokupai matanda emisidhari nemisipuresi.
9 Vanhu vangu vachatakura kubva kuRebhanoni kusvika kugungwa, uye, ndichaayeredza negungwa kunzvimbo yamunenge masarudza. Ikoko ndichapatsanura kuti mugogona kuatora moenda nawo. Imi mugondiitirawo chishuvo changu mugopa muzinda wangu zvokudya.”
10 Nenzira iyi Hiramu akapa Soromoni matanda ose emisidhari nemisipuresi aaida,
11 uye Soromoni akapa Hiramu zviyero zviuru makumi maviria zvegorosi kuti zvidyiwe mumuzinda wake, pamwe chete nezviyero makumi mavirib zvamafuta omuorivhi akasvinwa zvakakwana. Soromoni akaramba achiitira Hiramu zvinhu izvi gore negore.
12 Jehovha akapa Soromoni uchenjeri, sezvaakanga amuvimbisa. Pakati paHiramu naSoromoni pakava norugare, uye vaviri ava vakanyorerana chibvumirano.
13 Mambo Soromoni akaunganidza vanhu vechibharo muIsraeri yose, vanhu zviuru makumi matatu.