13 Samueri akati asvika kwaari, Sauro akati, “Jehovha ngaakuropafadzei! Ndakaita zvandakarayirwa naJehovha.”
14 Asi Samueri akati, “Ko, zvino kuchema uku kwamakwai munzeve dzangu ndokwei? Kukuma kwemombe kwandinonzwa uku chiiko?”
15 Sauro akapindura akati, “Varwi vakabva nadzo kuvaAmareki; vakasiya makwai akanakisisa nemombe kuti vabayire kuna Jehovha Mwari wenyu, asi zvimwe zvose takazviparadza chose.”
16 Samueri akati kuna Sauro, “Mira! Rega ndikutaurire zvandakaudzwa naJehovha nezuro usiku.” Sauro akati, “Ndiudzei.”
17 Samueri akati, “Kunyange wakanga uri muduku pakufunga kwako kare, ko, hauna kuitwa mukuru wamarudzi avaIsraeri here? Jehovha akakuzodza kuti uve mambo wavaIsraeri.
18 Uye akakutuma parwendo, akati, ‘Enda undoparadza zvachose vanhu vose vakaipa, ivo vaAmareki; uvarwise kusvikira vapera.’
19 Seiko usina kuteerera Jehovha? Wakamhanyirireiko kune zvakapambwa uchiita zvakaipa pamberi paJehovha?”