3 VaFiristia vakatora chimwe chikomo uye vaIsraeri vakatora chimwe, pakati pavo paine mupata.
4 Shasha yainzi Goriati yaibva kuGati, yakabuda pakati pomusasa wavaFiristia. Akanga akareba makubhiti matanhatua.
5 Akanga ane nguwani yendarira pamusoro wake uye akanga akafuka nguo dzokurwa dzamakwati endarira dzairema mashekeri zviuru zvishanub;
6 pamakumbo ake akanga akapfeka zvidzitiro zvendarira, uye pfumo rendarira rakanga rakarembedzwa kumusana kwake.
7 Rwiriko rwepfumo rake rwakanga rwakaita setsvimbo yomuruki, uye muromo waro wesimbi wakanga uchirema mashekeri mazana matanhatuc. Mutakuri wenhoo yake aifamba ari mberi kwake.
8 Goriati akamira uye akadanidzira kuhondo dzavaIsraeri achiti, “Seiko mabuda kuti muzogadzirira kurwa? Ko, ini handizi muFiristia, uye imi hamuzi varanda vaSauro here? Sarudzai murume mugoita kuti aburuke kuno kwandiri.
9 Kana achigona kurwa uye akandiuraya, isu tichava varanda venyu; asi kana ndikamukunda ndikamuuraya, imi muchava varanda vedu uye muchatishandira.”