11 “Saka zano rangu nderiri: VaIsraeri vose, kubva kuDhani kusvikira kuBheerishebha, vakawanda sejecha rokumhenderekedzo dzegungwa, ngavaungane kwamuri, iyemi pachenyu muchivatungamirira kundorwa.
12 Ipapo tichavarwisa kwose kwavanenge vari, uye tichawira paari sedova rinowira pasi. Hakuna kana mumwe wavo zvake achasara ari mupenyu.
13 Kana akadzokera muguta, ipapo vaIsraeri vose vachauya namabote kuguta iroro, uye ticharizvuzvurudzira pasi kumupata kusvikira pasisina kunyange nechimedu charo chingawanikwa.”
14 Abhusaromu navarume vose veIsraeri vakati, “Zano raHushai muAriki riri nani pane raAhitoferi.” Nokuti Jehovha aida kukonesa zano rakanaka raAhitoferi kuitira kuti auyise njodzi pamusoro paAbhusaromu.
15 Ipapo Hushai akati kuna Zadhoki naAbhiatari, vaprista, “Ahitoferi arayira Abhusaromu navakuru veIsraeri kuti vaite ichi nechocho.
16 Zvino chituma shoko nokukurumidza uye uudze Dhavhidhi kuti, ‘Musavata pamazambuko omurenje usiku huno; yambukai musamborega, nokuti mambo navanhu vose vaanavo vangamedzwa.’ ”
17 Jonatani naAhimaazi vakanga vachigara paEni Rogeri uye mumwe murandakadzi ndiye aifanira kundovazivisa, uye ivo vachienda kundoudza Mambo Dhavhidhi, nokuti havazaifanira kuonekwa vachipinda muguta.