3 Saka Mozisi naAroni vakaenda kuna Faro vakandoti kwaari, “Zvanzi naJehovha, Mwari wavaHebheru, ‘Uchasvika riniko uchiramba kuzvininipisa pamberi pangu? Rega vanhu vangu vaende kuti vanondinamata.
4 Kana uchiramba kuvatendera kuenda, ini ndichauyisa mhashu munyika yako mangwana.
5 Dzichafukidza nyika yose zvokuti pasi hapangaonekwi. Dzichadya zvishoma zvawakanga wasiya shure kwechimvuramabwe, pamwe chete nemiti yose iri kumera muminda yako.
6 Dzichazadza dzimba dzako nedzamachinda ako nedzavaIjipita vose, chinhu chisina kumboonekwa namadzibaba ako kana madzitateguru ako kubva pazuva ravakagara munyika ino kusvika zvino.’ ” Ipapo Mozisi akatendeuka akabva pana Faro.
7 Machinda aFaro akati kwaari, “Munhu uyu acharamba ari musungo kwatiri kusvikira riniko? Regai vanhu vaende, kuti vagonamata Jehovha Mwari wavo. Ko, hamusi kuzviona here nazvino kuti Ijipiti yaparara?”
8 Ipapo Mozisi naAroni vakadzoswazve kuna Faro. Iye akati, “Endai mundonamata Jehovha Mwari wenyu. Asi vachaenda ndivanaaniko?”
9 Mozisi akapindura akati, “Tichaenda navaduku vedu uye navakuru, pamwe chete navanakomana vedu navanasikana vedu, uye namakwai edu nemombe dzedu, nokuti tinofanira kuita mutambo wokupemberera Jehovha.”