1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
2 “Munoreveiko vanhu imi zvamunotaura tsumo iyi pamusoro penyika yeIsraeri, muchiti, “ ‘Madzibaba akadya mazambiringa anovava, uye meno avana akaita ugugu’?
3 “Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, hamuchazotaurizve tsumo iyi muIsraeri.
4 Nokuti mweya mupenyu mumwe nomumwe ndowangu, baba pamwe chete nomwanakomana vose saizvozvo ndevangu. Mweya unotadza ndiwo uchafa.
5 “Ngatiti pane munhu akarurama anoita nokururamisira uye nokururama.