13 Anokweretesa achireva chimbadzo uye anotora mhindu yakakura. Munhu akadaro achararama here? Kwete, haangararami! Nokuda kwokuti akaita zvinhu izvi zvinonyangadza, achafa, zvirokwazvo, uye ropa rake richava pamusoro pake.
14 “Asi ngatimboti, mwanakomana uyu ano mwanakomana anoona zvivi zvose zvinoitwa nababa vake, uye kunyange achivaona, haaiti zvinhu zvakadai:
15 “Haadyi pashongwe dzamakomo kana kutarisira kuzvifananidzo zveimba yaIsraeri. Haachinyi mukadzi womuvakidzani wake.
16 Haamanikidzi munhu upi zvake kana kureva rubatso pachikwereti. Haaiti ugororo, asi anopa zvokudya zvake kuna vaya vane nzara, uye anopfekedza vanoshaya zvipfeko.
17 Anodzivisa ruoko rwake kutadza uye haarevi chimbadzo kana mhindu yakakura. Anochengeta mirayiro yangu nokutevera mitemo yangu. Haangafi nokuda kwechivi chababa vake; zvirokwazvo achararama.
18 Asi baba vake vachafa nokuda kwechivi chavo, nokuti vaiita zvinhu nokumanikidza, vakapamba munun'una wavo uye vakaita zvakaipa pakati pavanhu vavo.
19 “Kunyange zvakadaro munobvunza muchiti, ‘Mwanakomana anoregereiko kuva nemhosva yezvakaipa zvababa vake?’ Sezvo mwanakomana akaita nokururamisira uye nokururama uye kuti akanga akangwaririra kuchengeta mitemo yangu, iye achararama zvirokwazvo.