33 Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, ndichakutonga nechanza chine simba, noruoko rwakatambanudzwa uye nehasha dzakadururwa.
34 Ndichakudzosai kubva kundudzi ndigokuunganidzai kubva kunyika dzamakanga makaparadzirwa kwadziri, nechanza chine simba uye noruoko rwakatambanudzwa uye nehasha dzakadururwa.
35 Ndichakuyisai kurenje rendudzi ndigokutongai ikoko takatarisana chiso nechiso.
36 Sokutonga kwandakaita madzibaba enyu mugwenga renyika yeIjipiti, saizvozvo ndichakutongai imi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
37 Ndichakuverengai pamunopfuura napasi petsvimbo yangu, uye ndichakuisai muchisungo chesungano.
38 Ndichakubvisirai vaya vanondipandukira navaya vanondimukira. Kunyange hazvo ndichizovabudisa munyika yavagere, asi havangapindi munyika yeIsraeri. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.
39 “ ‘Asi kana murimi, iyemi imba yaIsraeri, zvanzi naIshe Jehovha: Endai mundoshumira zvifananidzo zvenyu, mumwe nomumwe wenyu! Asi shure kwazvo zvirokwazvo muchanditeerera uye hamungazosvibisizve zita rangu dzvene nezvipo zvenyu nezvifananidzo zvenyu.