25 “ ‘Haiwa, iwe muchinda waIsraeri akaipa uye anozvidza, ane zuva rasvika, ane nguva yokurangwa kwake yasvika pakupedzisira,
26 Zvanzi naIshe Jehovha: Bvisai ngowani youprista, bvisai korona. Hazvichazorambi zviri sezvazvaiva: vanozvidzwa vachasimudzirwa uye vanokudzwa vachaninipiswa.
27 Dongo! Dongo! Ndichariita dongo! Harichazovandudzwizve kusvikira mwene waro auya; ndiye wandichapa.’
28 “Uye iwe, mwanakomana womunhu, profita uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavaAmoni nokutuka kwavo: “ ‘Munondo, munondo, wavhomorwa kuti uuraye, wapukutwa kuti uparadze uye kuti upenye semheni!
29 Kunyange vakaona zviratidzo zvenhema pamusoro pako, vakauka zvenhema pamusoro pako, zvichaiswa pamitsipa yavakashata vachazourayiwa, vane zuva ravo rasvika, ivo vane nguva yokurangwa yasvika pokupedzisira.
30 Chidzosera munondo mumuhara wawo. Panzvimbo yawakasikwa uri, munyika yamadzitateguru ako, ndipo pandichakutongera.
31 Ndichadurura hasha dzangu pamusoro pako, uye ndigofuridzira kutsamwa kwangu kunotyisa pamusoro pako; ndichakuisa kuvanhu vane utsinye, vanhu vanoziva kuparadza.