4 Zita romukoma rakanga richinzi Ohora, uye munun'una wake ainzi Ohoribha. Ivo vakanga vari vangu uye vakabereka vanakomana navanasikana. Ohora ndiye Samaria uye Ohoribha ndiye Jerusarema.
5 “Ohora akaita ufeve iye achiri wangu; akachiva zvikomba zvake, ivo vaAsiria, varwi
6 vakanga vakapfeka nguo dzebhuruu, vabati navatungamiri vehondo, vakanga vari majaya akanaka chose, uye vari vatasvi vamabhiza.
7 Iye akaita ufeve navapamusoro-soro vose veAsiria uye akazvisvibisa nezvifananidzo zvose zvavose vaaichiva.
8 Haana kurega ufeve hwaakatangira kuIjipiti, paakavata navarume achiri muduku, vakabata-bata chipfuva choumhandara hwake uye vakadurura ruchiva rwavo pamusoro pake.
9 “Naizvozvo ndakamuisa kuzvikomba zvake, ivo vaAsiria, vaakanga achichiva.
10 Vakamubvisa nguo akasara asina, ashama, vakatora vanakomana vake navanasikana ndokubva vamuuraya nomunondo. Akabva ava shumo pakati pavakadzi uye akarangwa.