1 Murume uyu akandidzosa pamukova wetemberi, ndikaona mvura yaibuda napasi pechikumbaridzo chetemberi kwakatarisa kumabvazuva, nokuti temberi yakanga yakatarira kumabvazuva. Mvura yakanga ichiyerera napasi nechezasi kwetemberi, nyasi kwearitari.
2 Ipapo akandibudisa nokusuo rokumusoro akanditungamirira pakupoterera nechokunze kwesuo rokunze rakatarisana nokumabvazuva, uye mvura yaiyerera ichibva kurutivi rwezasi.
3 Murume uyu akati achifamba akananga kurutivi rwokumabvazuva ane rwodzi rwokuyeresa muruoko rwake, akayera makubhiti chiuru chimwe chetea ndokubva ipapo ondiyambutsa nomumvura yakanga yakadzika kusvika muzviziso zvamakumbo.
4 Akayerazve chimwe chiuru chamakubhiti akandifambisa nomumvura yaisvika mumabvi. Akayerazve chimwe chiuru chimwe chete akandiyambutsa nomumvura yaisvika muchiuno.
5 Akayerazve chimwe chiuru chimwe chete, asi iye zvino rwakanga rwava rwizi rwandakanga ndisingagoni kuyambuka, nokuti mvura yakanga yawanda uye yakanga yadzika zvokuti munhu angashambira mairi, rwizi rwakanga rusina munhu angaruyambuka.
6 Akandibvunza akati, “Mwanakomana womunhu, unoona izvi here?” Ipapo akadzokera neni kumahombekombe orwizi.
7 Ndakati ndasvikako ndakaona miti mizhinji kurutivi rumwe norumwe rworwizi.