17 Muganhu uchaenda uchibva kugungwa uchindosvika kuHazari Enani, uchitevedza muganhu nokumusoro kweDhamasiko, nomuganhu weHamati kumusoro. Ndiwo uchava muganhu wokumusoro.
18 “Kurutivi rwokumabvazuva muganhu uchava pakati peHaurani neDhamasiko, uchitevedza Jorodhani pakati peGireadhi nenyika yeIsraeri, kusvikira kugungwa rokumabvazuva uye uchindosvika kuTamari. Ndiwo uchava muganhu wokumabvazuva.
19 “Kurutivi rwezasi, uchabvira paTamari uchindosvika kumvura yeMeribha Kadheshi, ipapo wogotevedza Rukova rweIjipiti kusvikira kuGungwa Guru. Uyu ndiwo uchava muganhu wezasi.
20 “Kurutivi rwokumavirira, Gungwa Guru richava muganhu kusvikira pakatarisana neRebho Hamati. Uyu ndiwo uchava muganhu wokumavirira.
21 “Munofanira kugovana nyika iyi pakati penyu zvakaenzanirana namarudzi aIsraeri.
22 “Munofanira kugovana senhaka yenyu uye mugogoverawo vatorwa vagere pakati penyu vane vana. Munofanira kuvarangarira savaIsraeri vakaberekwa munyika ino; vanofanira kugoverwa nhaka pamwe chete nemi pakati pamarudzi aIsraeri.
23 Murudzi rupi norupi mugere mutorwa, munofanira kumupa nhaka yake imomo,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.