Ezekieri 48:10-16 BDMCS

10 Uyu ndiwo uchava mugove mutsvene wavaprista. Uchareba makubhiti makumi maviri namashanu ezviuru nechokurutivi rwokumusoro, nezviuru gumi zvamakubhiti paupamhi kurutivi rwokumavirira, makubhiti zviuru gumi paupamhi kurutivi rwokumabvazuva nezviuru makumi maviri nezvishanu zvamakubhiti pakureba kurutivi rwezasi. Pakati payo pachava nenzvimbo tsvene yaJehovha.

11 Iyi ichava yavaprista vakaitwa vatsvene, ivo vaZadhoki, vakanga vakatendeka pakundishumira uye vasina kutsauka sezvakaitwa navaRevhi panguva yakatsauka vaIsraeri.

12 Ichava chipo chakatsaurwa kwavari kubva pamugove wakatsaurwa wenyika, iwo mugove mutsvenetsvene, unoganhura nyika yavaRevhi.

13 “VaRevhi vachava nomugove wamakubhiti akareba makumi maviri namashanu ezviuru nezviuru gumi paupamhi, zvichienderana nenyika yavaprista. Kureba kwayo kunofanira kuita makubhiti zviuru gumi.

14 Havafaniri kuitengesa kana kutsinhanisa chimwe chikamu chayo. Iyi inyika yakanakisisa uye haifaniri kuiswa mumaoko avamwe vanhu, nokuti itsvene kuna Jehovha.

15 “Nzvimbo dzakasara, dzina makubhiti zviuru zvishanu paupamhi namakubhiti zviuru makumi maviri namashanu pakureba, dzichashandiswa neguta, sepokugara namafuro. Guta richava pakati pazvo

16 uye richava nezviyero izvi: kurutivi rwokumusoro makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu, kurutivi rwezasi makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu, kurutivi rwokumabvazuva, makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu, uye kurutivi rwokumavirira, makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu.