27 “Gadhi achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaZebhuruni kubva kumabvazuva kusvika kumavirira.
28 “Muganhu worutivi rwezasi waGadhi uchananga kurutivi rwezasi uchibva kuTamari kusvikira kumvura zhinji yeMeribha Kadheshi, ipapo wozotevedza Rukova rweIjipiti kusvikira kuGungwa Guru.
29 “Iyi ndiyo nyika yaunofanira kugovera senhaka kumarudzi aIsraeri, uye iyi ndiyo ichava migove yavo,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
30 “Aya achava masuo okubuda nawo eguta: Kutangira kurutivi rwokumusoro, kureba kwacho kuna makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu,
31 masuo eguta achatumidzwa mazita amarudzi aIsraeri. Masuo matatu ari kurutivi rwokumusoro achava suo raRubheni, suo raJudha nesuo raRevhi.
32 “Kurutivi rwokumabvazuva, kuna makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu pakureba, masuo matatu achamira sezvizvi: suo raJosefa, suo raBhenjamini nesuo raDhani.
33 “Kurutivi rwezasi, kuna makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu pakureba, masuo matatu achamira sezvizvi: suo raSimeoni, suo raIsakari nesuo raZebhuruni.