7 Tsamba yavakatumira kwaari yakanga ina mashoko anoti: Kuna Mambo Dhariasi: Tinokukwazisai.
8 Mambo ngaazive kuti takaenda kudunhu reJudha, kutemberi yaMwari mukuru. Vanhu vari kuivaka namabwe makuru uye vachiisa matanda mumasvingo. Basa riri kuitwa nokushingaira uye riri kupfuurira mberi nokukurumidza mumaoko avo.
9 Takabvunza vakuru vavo tikati kwavari, “Ndiani akakupai mvumo yokuti muvakezve temberi iyi nokumisazve masvingo aya?”
10 Takavabvunzawo kuti mazita avo vainzi vanaani, tichiitira kuti tingonyora mazita avatungamiri vavo kuti togokuzivisai.
11 Iyi ndiyo mhinduro yavakatipa: “Tiri varanda vaMwari wokudenga napasi, uye tiri kuvakazve temberi yakambovakwa makore mazhinji akapfuura, iyo yakavakwa namambo mukuru weIsraeri uye akaipedza.
12 Asi nokuda kwokuti madzibaba edu akatsamwisa Mwari wokudenga, akavaisa mumaoko aNebhukadhinezari muKaradhea, mambo weBhabhironi, uyo akaparadza temberi ino akatora vanhu akavaendesa kuBhabhironi.
13 “Kunyange zvakadaro, mugore rokutanga raSirasi mambo weBhabhironi, Mambo Sirasi akatema chirevo chokuti imba yaMwari iyi ivakwezve.