35 Vanofanira kuunganidza zvokudya zvose zvamakore aya akanaka ari kuuya uye vagochengeta zviyo pasi pesimba raFaro, zvinofanira kuchengetwa kuti zvizove zvokudya.
36 Zvokudya izvi zvinofanira kuchengeterwa nyika, kuti zvigozoshandiswa panguva yamakore manomwe enzara achauya pamusoro peIjipiti, kuitira kuti nyika irege kuparadzwa nenzara.”
37 Urongwa uhu hwakaratidza kuva hwakanaka kuna Faro nokuvaranda vake vose.
38 Saka Faro akavabvunza akati, “Tingawana here munhu akaita somurume uyu, munhu ane mweya waMwari maari?”
39 Ipapo Faro akati kuna Josefa, “Sezvo Mwari aita kuti izvi zvose zvizivikanwe newe, hakuna munhu anoziva uye akachenjera sewe.
40 Iwe uchava mutariri womuzinda wangu, navanhu vangu vose, uye vanhu vangu vose vanofanira kuzviisa pasi pezvaunovarayira. Ndichava mukuru kwauri pachigaro choushe chete.”
41 Saka Faro akati kuna Josefa, “Ndakugadza kuti uve mutariri wenyika yose yeIjipiti.”