49 Josefa akaunganidza zviyo zvakawanda kwazvo, sejecha regungwa; zvakanga zvakawanda zvokuti haana kuzokwanisa kuzvinyora nokuti zvakanga zvisisagoni kuyerwa.
50 Makore enzara asati asvika, Josefa akanga aberekerwa vanakomana vaviri naAsenati mwanasikana waPotifera, muprista weOni.
51 Josefa akatumidza dangwe rake zita rokuti Manase uye akati, “Nokuti Mwari akaita kuti ndikanganwe kutambudzika kwangu kwose navose veimba yababa vangu.”
52 Mwanakomana wake wechipiri akamutumidza zita rokuti Efuremu uye akati, “Nokuti Mwari akaita kuti ndive nezvibereko munyika yokutambudzika kwangu.”
53 Makore manomwe amaguta muIjipiti akasvika pakupera,
54 uye makore manomwe enzara akatanga, sezvazvakanga zvarehwa naJosefa. Kwakava nenzara mune dzimwe nyika dzose, asi munyika yose yeIjipiti maiva nezvokudya.
55 Ijipiti yose payakatanga kunzwa nzara, vanhu vakatanga kuchemera zvokudya kuna Faro. Ipapo Faro akaudza vaIjipita vose akati, “Endai kuna Josefa uye muite zvaanokuudzai.”