6 Vana vose vawakaberekerwa mumashure mavo vachava vako; munyika yavo yenhaka vachazivikanwa pasi pamazita amadzikoma avo.
7 Pandakanga ndichibva kuPadhani, ndakasuwa nokuti Rakeri akafira munyika yeKenani patakanga tichiri munzira, nhambwe pfupi kubva kuEfurati. Saka ndakamuviga ipapo parutivi rwomugwagwa unoenda kuEfurati” (ndiro Bheterehema).
8 Israeri akati aona vanakomana vaJosefa, akabvunza akati, “Ndivanaani ava?”
9 Josefa akati kuna baba vake, “Ndivo vanakomana vandakapiwa pano naMwari.”Ipapo Israeri akati, “Uya navo pano ndivaropafadze.”
10 Zvino meso aIsraeri akanga aneta nokuda kwokukwegura, uye akanga asisagoni kuona zvakanaka. Saka Josefa akauya navanakomana vake pedyo naye, baba vake vakavatsvoda uye vakavambundikira.
11 Israeri akati kuna Josefa, “Handina kumbofunga kuti ndichaona chiso chakozve, uye zvino Mwari anditendera kuti ndione vana vakowo.”
12 Ipapo Josefa akavabvisa pamabvi aIsraeri uye akakotama pasi nechiso chake.