10 makomo akakuonai akadedera. Mvura zhinji yakapfuura; kudzika kwakatinhira kukasimudza mafungu pamusoro.
11 Zuva nomwedzi zvakambomira kumatenga zvichiona kuvaima kwemiseve yenyu yaipfuura, zvichiona kupenya kwepfumo renyu rinobwinya.
12 Mukutsamwa kwenyu makapfuura napanyika uye mukushatirwa kwenyu makarasa ndudzi.
13 Makauya kuzonunura vanhu venyu, kuzoponesa muzodziwa wenyu. Makaparadza mutungamiri wenyika yavakaipa, mukamufukura kubva kumusoro kusvika kutsoka. Sera
14 Nepfumo rake chairo makabaya musoro wake, pakauya varwi vake sechamupupuri kuzotiparadzira, vachifara savanoda kuparadza vanotambudzika vakanga vakavanda.
15 Makatsika-tsika gungwa namabhiza enyu, mukabvongodza mvura zhinji.
16 Ndakazvinzwa, hana yangu ikarova, miromo yangu yakadedera pandakanzwa maungira; kuora kwakapinda mumapfupa angu, makumbo angu akadedera. Asi ndichamirira hangu zuva renjodzi kuti riuye pamusoro porudzi ruchatirwisa.