13 Saka zvino, shoko raJehovha kwavari richava: Chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, mutsara pamusoro pomutsara, mutsara pamusoro pomutsara, apa zvishoma, apo zvishoma, kuitira kuti vaende vagondowa, vavhunike, vabatwe nomusungo vagotapwa.
14 Naizvozvo inzwai shoko raJehovha, imi vaseki, imi vanotonga rudzi urwu muJerusarema.
15 Munozvirumbidza muchiti, “Takaita sungano norufu, takatenderana neguva. Shamhu inokukura painouya, haizotibati, nokuti nhema takadziita utiziro hwedu, uye kunyengera takakuita nzvimbo yedu yokuvanda.”
16 Saka zvanzi naJehovha Wamasimba Ose,“Tarirai ndinoisa ibwe muZioni, ibwe rakaedzwa, ibwe rinokosha rapakona kuti rive nheyo yakasimba; anovimba naro haangavhunduki.
17 Ndichaita kuti kururamisira kuve rwodzi rwokuera, uye kururama ndichakuita chokururamisa nacho; chimvuramabwe chichakukura utiziro hwenyu, idzo nhema, uye mvura ichafukidza nzvimbo yenyu yokuvanda.
18 Sungano yenyu norufu ichadzimwa; chitenderano chenyu neguva hachingamiri. Shamhu inokukura painouya, muchakundwa nayo.
19 Nguva nenguva painouya ichakutakurai ichikuendesai kure; mangwanani achitevera mamwe mangwanani, panguva dzamasikati nenguva dzousiku, ichakukura.”Kunzwisisa shoko iri kuchauyisa kutya.