5 Munondo wangu wakanwa ukaguta kumatenga; tarirai, unoburukira kuzotonga Edhomu, vanhu vandakaparadza chose.
6 Munondo waJehovha wakanyura muropa, wakafukidzwa namafuta, iro ropa ramakwayana nerembudzi, namafuta anobva paitsvo dzamakondohwe. Nokuti Jehovha ane chibayiro muBozira uye nokuuraya kukuru muEdhomu.
7 Nyati dzichawa pamwe navo nehono dzemhuru nehando huru. Nyika yavo ichanyorova neropa, uye guruva richazara mafuta.
8 Nokuti Jehovha ane zuva rokutsiva negore rokuripira kuti atsigire zvinodiwa neZioni.
9 Hova dzeEdhomu dzichashanduka kuva namo, guruva rayo richapisa sesuriferi; nyika yayo ichava namo inopfuta!
10 Haingadzimwi usiku namasikati; utsi hwayo huchakwira nokusingaperi. Richava dongo kubva kuno rumwe rudzi kusvikira kuno rumwe; hapana munhu achazopfuura napozve.
11 Asi zvichava zvezizi romugwenga nehukurwizi; zizi guru negunguo zvichaita matenderemo. Mwari achatambanudzira Edhomu rwodzi rwokuyera, rwenyonganiso nerwokuparadza.