8 “Naizvozvo zvino, chinzwa, iwe chisikwa chisingagutsikani, ugere zvakachengetedzeka, uchiti, mumwoyo mako, ‘Ndini, hakuna mumwe kunze kwangu. Handizovi chirikadzi, uye handizotambudziki nokurasikirwa navana.’
9 Zviviri izvozvi zvichakuwira nechinguva chidiki diki, pazuva rimwe chete zvinoti: kufirwa navana nouchirikadzi. Zvichauya pamusoro pako nechiyero chizere, kunyange uine un'anga hwako huzhinji, nouroyi hwako hwakawanda.
10 Wakavimba nezvakaipa zvako uye wakati, ‘Hapana anondiona.’ Uchenjeri hwako nezivo yako zvinokutsausa paunoti, mumwoyo mako, ‘Ndini, uye hakuna mumwe kunze kwangu.’
11 Dambudziko richakuwira, uye haugoni kuzoziva kuti ungaritanda sei. Njodzi ichakuwira yausingagoni kubvisa nomuripo; pakarepo kuparadza kwausingagoni kuziva, kuchawira pamusoro pako.
12 “Zvino, enderera hako mberi nouroyi hwako, uye noun'anga hwako huzhinji, hwawakashandira kubva paudiki hwako. zvichida uchabudirira, zvichida uchavhundutsira vamwe.
13 Mazano ose awakagamuchira, akakunetesa chete! Vanhu vako vanocherechedza nyeredzi ngavauye mberi, avo vanotarira nyeredzi vachifembera mwedzi nomwedzi, ngavakuponese pane zviri kuuya pamusoro pako.
14 Zvirokwazvo vakafanana namashanga; moto uchaapisa akapera. Haangatongogoni kuzvirwira, pasimba romurazvo womoto. Asi hapana mazimbe okuti munhu adziyirwe; hapana moto wokudziya ipapo.