1 Nokuda kweZioni handinganyarari, nokuda kweJerusarema handingarambi ndinyerere, kusvikira kururama kwake kwapenya samambakwedza, noruponeso rwake somwenje unopfuta.
2 Ndudzi dzichaona kururama kwako, namadzimambo ose achaona kubwinya kwako; iwe uchadaidzwa nezita idzva richataurwa nomuromo waJehovha.
3 Uchava korona yokubwinya muruoko rwaJehovha, ukomba hwoumambo muruoko rwaMwari.
4 Havachazokutizve Musiyiwa, kana kutumidza nyika yako kuti Dongo. Asi uchatumidzwa kuti Hefizibha uye nyika yako ichanzi Bhiyura; nokuti Jehovha achakufarira, uye nyika yako icharoorwa.
5 Sejaya zvarinowana mhandara, saizvozvo vanakomana vako vachakuwana; sechikomba chinofarira mwenga, saizvozvo Mwari wako achafara pamusoro pako.