2 Ndudzi dzichaona kururama kwako, namadzimambo ose achaona kubwinya kwako; iwe uchadaidzwa nezita idzva richataurwa nomuromo waJehovha.
3 Uchava korona yokubwinya muruoko rwaJehovha, ukomba hwoumambo muruoko rwaMwari.
4 Havachazokutizve Musiyiwa, kana kutumidza nyika yako kuti Dongo. Asi uchatumidzwa kuti Hefizibha uye nyika yako ichanzi Bhiyura; nokuti Jehovha achakufarira, uye nyika yako icharoorwa.
5 Sejaya zvarinowana mhandara, saizvozvo vanakomana vako vachakuwana; sechikomba chinofarira mwenga, saizvozvo Mwari wako achafara pamusoro pako.
6 Ndakagadza nharirire pamasvingo ako, iwe Jerusarema; havangambonyarari masikati kana usiku. Imi munodana kuna Jehovha, musazorora,
7 uye musamupa zororo kusvikira asimbisa Jerusarema, uye ariita rumbidzo yenyika.
8 Jehovha akapika noruoko rwake rworudyi, uye noruoko rwake rune simba achiti, “Handichazopizve zviyo zvenyu sezvokudya kuvavengi venyu, uye vatorwa havachozonwizve waini itsva yamakatamburira;